Nyika yaparara by Mavis Z
DETEMBO
NYIKA YAPARARA
By Mavis Zinyemba Hama ngatinyurure nyika yonyura mumandondo.
Mhanyai makatakura yesimbi minondo .
Uyai tibatire pamwe senyuchi dzinoshandira pamwe .
Nhamo tinayo mumba,tisatarise kumwe .
Namaziso tinoiona ,muzvanza takaigumbata tichiti chizvinozvino.
Chatinoti chizvinozvino chii?
Zvatinochinzwa nokuchiona tinoti kudii?
Hatisi kuchifarira nokuchigashira namaoko maviri ?
Hatisi kuchitsvaga nokuchitenga nezhinji mari?
Mhanyai tibvise munzwa usati watyokera muchizvinozvino.
Kutaura rurimi rusina dzinde zvakanaka here?
Hatinzwi kutapira kunoita rurimi rwaamai here?
Tinodirei kupfeka nhumbi dzinorasa mutsigo neunhu ?
Tarisai tarasa zvose zvinotipa unhu .
Toita dzesango mhuka pamusana pechizvinozvino .
Pwere dzokura dzisingagoni kuombera .
Vakomana vongoswera vasikana vachifambira .
Asati adiwa pamusha pomusikan...
Comments
Post a Comment