DETEMBO
  NYIKA YAPARARA
  By Mavis Zinyemba  Hama ngatinyurure nyika yonyura mumandondo.
  Mhanyai makatakura yesimbi minondo .
  Uyai tibatire pamwe senyuchi dzinoshandira pamwe .
  Nhamo tinayo mumba,tisatarise kumwe .
  Namaziso tinoiona ,muzvanza takaigumbata tichiti chizvinozvino.
  
  Chatinoti chizvinozvino chii?
  Zvatinochinzwa nokuchiona tinoti kudii?
  Hatisi kuchifarira nokuchigashira namaoko maviri ?
  Hatisi kuchitsvaga nokuchitenga nezhinji mari?
  Mhanyai tibvise munzwa usati watyokera muchizvinozvino.
  
  Kutaura rurimi rusina dzinde zvakanaka here?
  Hatinzwi kutapira kunoita rurimi rwaamai here?
  Tinodirei kupfeka nhumbi dzinorasa mutsigo neunhu ?
  Tarisai tarasa zvose zvinotipa unhu .
  Toita dzesango mhuka pamusana    pechizvinozvino .
  
  Pwere dzokura dzisingagoni kuombera .
  Vakomana vongoswera vasikana vachifambira .
  Asati adiwa pamusha pomusikan...
 
Comments
Post a Comment